Ephesians 6:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose,
Shona 2009?
munyengetere nguva dzose nokunyengetera kose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kose nokukumbirira vatsvene vose.
Shona SUB 2002 Bible
Munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose,