Ephesians 6:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kuti muziʋe ʋo ɀaŋgu, kuti ndakaɗiniko, Tikiko, hama inoɗikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, ucakuziʋisai ɀose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tikiko, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kuti imi muzivewo kuti ndakadii uye kuti ndiri kuitei, Tikikusi achakutaurirai zvose. Iye ihama yedu yapamwoyo uye mushandi wedu akatendeka muna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kuti muzivewo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri akatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvose;
Shona 2009?
Zvino kuti muzivevo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikamwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, uchakuzivisai zvose;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kuti muzivewo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri akatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvose;