Ephesians 6:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nemi madzishe, muʋaitire saiɀoɀo, murege kuʋatyisa; nokuti munoziʋa kuti Ishe waʋo nowenyu uri kuɗeŋga; haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi vana tenzi itaiwo zvimwechetezvo kwavari. Musavatyisidzire. Zivai kuti Tenzi wavo ari kudenga ndiye Tenzi wenyuwo uye kuti iye haana rusaruro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu ari kudenga; haatendi zvinoonekwa zvomunhu.
Shona 2009?
nemwi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu uri kudenga; haatendi zvinovonekwa zvomunhu.
Shona SUB 2002 Bible
Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu ari kudenga; haatendi zvinoonekwa zvomunhu.