Esther 1:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa recinomŋe mŋoyo wamambo wakati ucifara newaini, akaraira Mehumani, naBizta, naHarbona, naBigta, naAbagta, naZetari, naKarkasi, iʋo ʋaranda ʋanomŋe ʋaiɓata pamberi pamambo Ahashveroshi,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe, Mambo Zekisesi afara kwazvo mumwoyo make nokuda kwewaini, akarayira varanda vanomwe vaimushumira, Mehumani, Bhizita, Habhona, Bhigita, Abhagita, Zeta naKakasi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe racho, mambo afaranuka mwoyo newaini akaudza Mehumani naBhizita naHaribhona naBhigita naAbhagita naZeta naKarikasi, vayuniki vanomwe vaishandira mambo Ahasuerusi savatariri vomumuzinda make
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva rechinomwe mwoyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi,
Shona 2009?
Zvino nezuva rechinomwe moyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva rechinomwe mwoyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahasuerusi,