Esther 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋahosi Vashti ʋakaramba kuʋuya seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo nomuromo waʋaranda; ipapo mambo akatsamŋa kwaɀo, shuŋgu dzake dzikamuka mukati make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi pakasvika shoko rakanga rarayirwa namambo, vaHosi Vhashiti vakaramba kuuya. Ipapo mambo akashatirwa zvikuru uye akatsva nehasha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vahosi vamambo, Vhashiti, akaramba kuuya sokurayirwa kwakanga kwaitwa vayuniki ava namambo. Izvozvi izvi zvakashatirisa mambo akaviruka chaizvo nehasha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.
Shona 2009?
Asi vahosi Vhashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.