Esther 1:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Memukani akapindura mambo namacinda, akati: Ʋahosi haʋana‐kutadzira mambo ɓedzi, asi namacinda ose ʋo, naʋanhu ʋose ʋari munyika dzose dzamambo Ahashveroshi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Memukani akapindura pamberi pamambo namakurukota akati, “VaHosi Vhashiti vaita zvakaipa, kwete kuna mambo chete asi nokumakurukota ose nokuvanhu vose venyika dzose dzamambo Zekisesi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Memukani ndokutaura pana mambo namachinda achiti, “Vahosi vamambo, Vhashiti, haana kutadzira mambo chete, asi atotadzirawo machinda ose namarudzi ose avanhu vari munyika dzamambo Ahasuerusi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, “Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi.
Shona 2009?
Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, "Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, “Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahasuerusi.