Esther 1:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ici cakaitwa naʋahosi cicapararira pakati paʋakadzi ʋose, ɀino ʋacashoʋora ʋarume ʋaʋo, kana ɀicinzi: Mambo Ahashveroshi wakaraira ʋahosi Vashti kuti ʋaʋuyiswe pamberi pake, asi ʋakaramba kuʋuya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvaitwa navahosi zvichazivikanwa navakadzi vose, nokudaro vachazvidza varume vavo vachiti, ‘Inga wani Mambo Zekisesi vakarayira vaHosi Vhashiti kuti vauye vamire pamberi pavo, asi vakaramba kuuya.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti, zvaitwa navahosi vamambo izvi zvichazikanwa navakadzi vose zvikakonzera kuti vazvidze varume vavo nokuti vachati, ‘Mambo Ahasuerusi akarayira kuti vahosi vamambo vauyiswe kwaaiva, asi ivo vakarega kuendako wani!’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, ‘Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.’
Shona 2009?
Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, `Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vhashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.'
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, ‘Mambo Ahasuerusi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.’