Esther 1:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana cireʋo camambo caʋacatema, cikaparidzwa paʋushe bgake bgose, (nokuti ʋukuru kwaɀo,) ʋakadzi ʋose ʋacakudza ʋarume ʋaʋo, ʋose ʋakuru naʋaɗuku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo kana chirevo chamambo chaziviswa muumambo hwake hwose, vakadzi vose vachakudza varume vavo, kubva kumudiki kusvikira kumukuru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo kana chirevo ichochi chaitwa namambo chaparidzwa munyika yamambo yose namakuriro ayakaita, madzimai ose acharemekedza varume vavo. Vangave varume vane chinzvimbo chiri pamusoro kana chiri pasi zvacho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.”
Shona 2009?
Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.”