Esther 1:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari paShushani panhare yamambo, ʋakuru naʋaɗuku, mazuʋa manomŋe paruʋazhe rwomunda panhare yamambo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mazuva aya akati apera, mambo akaita mabiko akapedza mazuva manomwe, mumunhanga webindu romuzinda wamambo achiitira vanhu vose kubva kuvadiki kusvikira kuvakuru, vaigara munhare yeShushani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti mazuva iwayo apera, mambo akaitira vanhu mabiko amazuva manomwe munhandare yomubindu romumuzinda wokwamambo. Akaitira mabiko iwayo vanhu vose vakanga vari muguta guru reSusa, guta romuzinda, vose zvavo vakuru navaduku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShusha panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo;
Shona 2009?
Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShushani panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShusha panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo;