Esther 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakanwa nomurairo wokuti munhu arege kuroʋererwa; nokuti mambo wakaŋga araira ʋaranda ʋose ʋeimba yake, kuti ʋaitire mumŋe nomumŋe seɀaakaŋga aciɗa nomŋoyo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakakokwa vakabvumirwa kunwa pamadiro, nokuti mambo akarayira vatariri vewaini vose kuti vagovere mumwe nomumwe sezvaaida.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Yainwiwa zviri pamurao pasina zvokumanikidza munhu nokuti mambo akanga atemera makurukota ose omumuzinda make kuti vaitire munhu nomunhu zvaanenge achida.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakanwa nomurayiro wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomwoyo wake.
Shona 2009?
Vakamwa nomurayiro wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomoyo wake.
Shona SUB 2002 Bible
Vakanwa nomurairo wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomwoyo wake.