Esther 2:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino dzoro romusikana mumŋe nomumŋe rakati riciȿika kupinda kunamambo Ahashveroshi, kana aitirwa ɀose nomurairo waʋakadzi mŋedzi inegumi nemiʋiri, (nokuti mazuʋa okunatswa kwaʋo akapera kuɗai: Mŋedzi mitanhatu ʋacizora mafuta emura, mŋedzi mitanhatu ɀinonhuwira, ʋuye ɀimŋe ɀinhu ɀokunatsa ʋakadzi naɀo,)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musikana aifanira kupedza mwedzi gumi nemiviri achizvinatsa nezvinonhuwira dzoro rake risati rasvika rokupinda kuna mambo Zekisesi sokurongerwa kwaiitirwa vanhukadzi, mwedzi mitanhatu yamafuta emura uye mwedzi mitanhatu yezvinonhuwira nezvizoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musikana woga woga aiva nechijana chake chokupinda muna mambo Ahasuerusi. Pamurawo waisunga nezvavanhukadzi ivavo, kupindamo, aitozopinda kwapera mwedzi gumi nemiviri nokuti ndiyo nguva yacho yavaipedza yokuzvivandudza nayo runako, vaiita mwedzi mitanhatu namafuta emura, vozoitawo mimwezve mwedzi mitanhatu vaine twokurungisa tunonhuwirira namafuta okuzora echikadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahashivheroshi, kana aitirwa zvose nomurayiro wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,)
Shona 2009?
Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahashivheroshi, kana aitirwa zvose nomurayiro wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuhwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,)
Shona SUB 2002 Bible
Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahasuerusi, kana aitirwa zvose nomurairo wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,)