Esther 2:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Waienda maɗekwana, ndokudzokera maŋgwana kuimba yecipiri yaʋakadzi, paaiceŋgetwa naShaashgazi, muranda wamambo, waiceŋgeta ʋaroŋgo; haazaipinda ɀe kunamambo, asi kana aciŋge afarirwa namambo, akaɗanwa nezita rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ava manheru aipota achiendako uye mangwanani achidzokera kune rimwe kamuri raigara vanhukadzi kunochengetwa naShaashigazi, muranda wamambo aiva muchengeti wavarongo. Aisadzokerazve kuna mambo kunze kwokunge mambo afadzwa naye akamudaidza nezita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aiendako manheru, mangwana mangwanani aizodzoka osvikira mumba yechipiri yavanhukadzi ova mumaoko aShaashigazi mumwe muyuniki wamambo aiva nebasa rokuona nezvevarongo vamambo. Akanga asingazobvumidzwazve kupinda muna mambo asi kutoti mambo atofadzwa zvake naye uye atoita zvokudaidzwa nezita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Aienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo, aichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadanwa nezita rake.
Shona 2009?
Aienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo, aichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadamwa nezita rake.
Shona SUB 2002 Bible
Aienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo, aichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadanwa nezita rake.