Esther 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Estere wakaŋga acigere kuʋaziʋisa hama dzake kana rudzi rwake, seɀaakarairwa naMordekai; nokuti Estere wakaterera murairo waMordekai, seɀaaisiita acarerwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Esteri akanga avanza nhoroondo yemhuri yake norudzi rwake sezvaakanga audzwa naModhekai, nokuti akaramba achitevera kurayira kwaModhekai nezvaaisiita acharerwa naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo Esita akanga asati ambotaurira vanhu rudzi rwake kana kuti hama dzake ndavanaani sokurayirwa kwaakaitwa naModhekai. Zvaivapo ndezvokuti, Esita uyu aizoteerera Modhekai sezvaaingoita pavaimurera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Esiteri akanga achigere kuvazivisa hama dzake kana rudzi rwake, sezvaakarairwa naModhekai; nokuti Esiteri akateerera murayiro waModhekai, sezvaaisiita acharerwa naye.
Shona 2009?
Esiteri akanga achigere kuvazivisa hama dzake kana rudzi rwake, sezvaakarairwa naModhekai; nokuti Esiteri akateerera murayiro waModhekai, sezvaaisiita acharerwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
Esiteri akanga achigere kuvazivisa hama dzake kana rudzi rwake, sezvaakarairwa naModhekai; nokuti Esiteri akateerera murairo waModhekai, sezvaaisiita acharerwa naye.