Esther 2:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋacinɀera cinhu ico, ʋakawana kuti ɀirokwaɀo, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakasuŋgirirwa pamuti; ɀikanyorwa mubuku yamakoronike pamberi pamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino shoko iri rakati raferefetwa uye rikawanikwa riri rechokwadi, vabati vaviri ava vakasungirwa pamatanda vakafa. Zvose izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo pamberi pamambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakatsvagurudzwa zvikaonekwa kuti ndizvo, varume ivava vose vari vaviri vakaurayiwa vachiita zvokusungirirwa mumuti, zvikanyorwawo muBhuku reNhoroondo mambo aripo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yamakoronike pamberi pamambo.
Shona 2009?
Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yaMakoronike pamberi pamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yamakoronike pamberi pamambo.