Esther 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murairo wamambo necireʋo cake ɀakati ɀanzwika, ʋasikana ʋazhinji ʋakaʋuŋganidzwa paShushani nhare yamambo, paʋaiceŋgetwa naHegai, Estere akatorwa ʋo, akaiswa mumba mamambo, akaceŋgetwa naHegai mutariri waʋakadzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino murayiro nomutemo wamambo zvakati zvaziviswa, vasikana vazhinji vakauyiswa kunhare yeShushani ndokuiswa pasi paHegai kuti avachengete. NaEsteriwo akatorwa akaiswa mumuzinda wamambo akachengetwa naHegai, aiva muchengeti wenzvimbo yaigara madzimai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pakanga pachiparidzwa chirevo chamambo chiya uye vasikana vazhinji pavakanga vaungana muguta reSusa, guta romuzinda, vava mumaoko aHegai, Esita akaendwa naye mumuzinda wamambo akaiswawo mumaoko aHegai aiva nebasa rokuona nezvevanhukadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murayiro wamambo nechirevo chake zvakati zvanzwika, vasikana vazhinji vakaunganidzwa paShusha nhare yamambo, pavaichengetwa naHegai, Esiteri akatorwawo, akaiswa mumba mamambo, akachengetwa naHegai mutariri wavakadzi.
Shona 2009?
Zvino murayiro wamambo nechirevo chake zvakati zvanzwikwa, vasikana vazhinji vakaunganidzwa paShushani nhare yamambo, pavaichengetwa naHegai, Esiteri akatorwawo, akaiswa mumba mamambo, akachengetwa naHegai mutariri wavakadzi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murairo wamambo nechirevo chake zvakati zvanzwika, vasikana vazhinji vakaunganidzwa paShusha nhare yamambo, pavaichengetwa naHegai, Esiteri akatorwawo, akaiswa mumba mamambo, akachengetwa naHegai mutariri wavakadzi.