Esther 3:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀo mambo Ahashveroshi wakakudza Hamani mŋanakomana waHamedata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuʋudza aʋe mukuru kumacinda ake ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusorosoro kupfuura zvamamwe makurukota ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure maizvozvi izvi, mambo Ahasuerusi akasumudzira pamusoro Hamani wokwaAgagi mwanakomana waHamedhata akamukwidziridza achimupa chigaro chepamusoro kudarika machinda mamwe ose aakanga anawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvo mambo Ahashivheroshi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose.
Shona 2009?
Shure kwaizvozvo mambo Ahashivheroshi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvo mambo Ahasuerusi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose.