Esther 3:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋanyori ʋamambo ʋakaɗanwa nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namatatu, ɀose ɀikanyorwa Hamani seɀaakaraira macinda amambo, naʋaɓati ʋaiɓata rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika naʋakuru ʋorudzi rumŋe norumŋe; rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorere warwo, ʋuye rudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo; ɀikanyorwa nezita ramambo Ahashveroshi ndokusimbiswa necindori camambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanyori vokwamambo vakadaidzwa musi wegumi nechitatu wemwedzi wechiposhi kukanyorerwa chirevo chiya madzishe namasadunhu enyika dzose namachinda endudzi dzose dzavanhu. Vakachinyora namanyorero enyika yoga yoga nomutauro wenyika imwe neimwe, maererano nezvose zvainge zvatemwa naHamani. Chirevo ichocho chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa nechidhidho chamambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vanyori vamambo vakadanwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahashivheroshi ndokusimbiswa nechindori chamambo.
Shona 2009?
Ipapo vanyori vamambo vakadamwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahashivheroshi ndokusimbiswa nechindori chamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vanyori vamambo vakadanwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahasuerusi ndokusimbiswa nechindori chamambo.