Esther 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamani akati kunamambo Ahashveroshi: Rumŋe rudzi rwaʋanhu ruri’ko, rwakapararira nokutekeshera pakati paʋanhu pamatiʋi ose enyika dzoʋushe bgenyu; mirau yaʋo yakasiyana neyaʋamŋe ʋanhu, haʋaceŋgeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuʋarega ʋari’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Kune rumwe rudzi rwavanhu rwakatekeshera rwakaita mharadzirwa mukati mendudzi dzavanhu munyika dzose dzoumambo hwenyu. Mitemo yavo yakasiyana neyedzimwe ndudzi dzose dzavanhu uye havachengete mitemo yamambo zvokuti kuvarega zvavo vakangodaro, hapana chiyamuro kwamuri mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, “Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo.
Shona 2009?
Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, "Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe bwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo.
Shona SUB 2002 Bible
Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo.