Esther 3:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mambo acifara naɀo, ŋwadi ŋgainyorwe kuti ʋaparadzwe; ini ndicaɓuɗisa matarenta aneɀuru ɀinegumi esirveri pamaʋoko aʋatariri ʋeɓasa ramambo, ʋaaise paɀiʋigiro ɀefuma yamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumia esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana muchida zvenyu mambo, panofanira kutemwa chirevo chokuti vaparadzwe. Ini ndini ndichabvisa mari yesirivha inosvika mazana matatu amatani ane matani makumi mana ane mashanu, ndoiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa rokwamambo kuti vagoiisa munochengeterwa upfumi hwokwamambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana mambo achifara nazvo n’wadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvepfuma yamambo.”
Shona 2009?
"Kana mambo achifara nazvo mwadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenda* ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvefuma yamambo."
Shona SUB 2002 Bible
“Kana mambo achifara nazvo tsamba ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvepfuma yamambo.”