Esther 4:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mordekai wakati acinzwa ɀose ɀaitwa, Mordekai ndokubvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu nokuisa maɗota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akazvizora madota, uye akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo;
Shona 2009?
Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguvo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo;