Esther 4:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?”
Shona 2009?
Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?"
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?”