Esther 4:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamunoita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichifa, ndichafa hangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endai mundokokorodza vaJudha vose vamunowana muSusa muti ngakutsanywe muchitsanyireni murege kudya kana kunwa kwamazuva matatu siku nesikati. Iniwo navasikana vangu ndichatsanyawo sezvamuchaita. Ndichazoenda kuna mambo kunyange zvazvo zvisiri pamutemo. Kana ndikaparara ndapararawo zvangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Endai mukokere vaJudha vose vari paShusha, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kunwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichazvinyima zvokudya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.”
Shona 2009?
"Endai mukokere vaJudha vose vari paShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kumwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichatsanya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu."
Shona SUB 2002 Bible
“Endai mukokere vaJudha vose vari paShusha, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kunwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichazvinyima zvokudya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyangwe zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.”