Esther 4:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naparutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, pakaŋga pano‐kucema kukuru pakati paʋaJuda, nokuɀinyima ɀokudya, nokucema misodzi, nokuwuŋgudza; ʋazhinji ʋakaʋata pasi ʋakafuka magumbu nokuɀiisa maɗota pamisoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka masaga vakarara mumadota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munyika dzose, kwose kwainge kwasvika zvakatemwa namambo izvi, nechirevo chake ichochi kwaibva kwava nokuchema kukuru muvaJudha nokutsanya vachihwihwidza nokuungudza; vazhinji vavo vakanga vakapfeka hanzu dzamasaga vakazvidira madota.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
Shona 2009?
Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
Shona SUB 2002 Bible
Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murairo wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.