Esther 4:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamupa ʋo mashoko orunyoro rwecireʋo cakaŋga catemŋa paShushani cokuti ʋaparadzwe, kuti aciratidze Estere nokumuziʋisa iɀoɀo; akamuraira ʋo kuti apinde kunamambo amunyeŋgetere nokukumbirira ʋanhu ʋake kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamupawo gwaro rechirevo chezvokuparadzwa zvachose kwavo, rakanga raparadzirwa muShushani, kuti andoratidza Esteri uye amutsanangurire nezvaro, uye akamuudza kuti amukurudzire kuti aende andomira pamberi pamambo akumbire kuti vanzwirwe ngoni uye agoreverera vanhu vake kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Modhekai akamupawo imwe tsamba yakanga yakaita sechirevo ichocho chakatemwa muguta reSusa chokuti vaparadzwe kuitira kuti andochiratidzawo Esita nokumutsanangurira nokumuti aende kuna mambo andomuteterera achikumbirira vanhu vokwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShusha chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari.
Shona 2009?
Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShushani chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShusha chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari.