Esther 5:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pazuʋa recitatu Estere wakafuka ŋguʋo dzake dzoʋuhosi, akandomira paruʋazhe rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo wakaŋga agere pacigaro cake coʋushe paimba yake yoʋushe, pakatarisana nomukoʋa weimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva retatu Esita akapfeka hanzu dzake dzouhosi hokwamambo akandomira munhandare yomukati yomumuzinda wamambo pakatarisana nezimba rokusanganira rokwamambo. Mambo akanga agere zvake pachigaro chake choumambo mumuzinda imomo pakatarisana nepokupinda napo mumuzinda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba.
Shona 2009?
Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguvo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba.