Esther 5:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamani akapfuʋura akati: Naʋahosi Estere haʋana‐kutendera mumŋe munhu kupinda namambo kumafundo aʋakagadzira, asi ini ndoga; ʋuye maŋgwana ʋo ndaɗanwa naʋo pamŋe cete namambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamani akatizve, “Hazvisi izvozvo chete, ndini chete munhu akakokwa navahosi Esteri kuti ndiperekedze mambo kumabiko aakatiitira. Zvino andikokazve mangwana pamwe namambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamani akatiwo, “Kana naivo vahosi vamambo chaivo, Esita haana mumwe waakati auye namambo kumabiko aakanga agadzirira kusiya inini chete. Izvozvi namagwanawo ivo vakatondikokazve pamwechete namambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamani akapfuura akati, “Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadanwa navo pamwechete namambo.
Shona 2009?
Hamani akapfuura akati,"Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadamwa navo pamwechete namambo.
Shona SUB 2002 Bible
Hamani akapfuura akati, “Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadanwa navo pamwechete namambo.