Esther 5:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamŋari dzake dzose ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋagadzire matanda anamakubiti makumi mashanu pakureɓa kwawo, maŋgwana mugokumbira kunamambo kuti Mordekai asuŋgirirwe paari; ipapo muŋgapinda henyu nomufaro namambo kumafundo. Ɀino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Misa matanda akareba makubhiti makumi mashanua, ugokumbira mambo panguva dzamangwanani kuti Modhekai asungirirwepo. Ipapo ugoenda namambo kumabiko nomufaro.” Shoko iri rakafadza Hamani, ndokubva aita kuti matanda amiswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai wake, Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwavari, “Ngapagadzirwe mutandarikwa wamapango unoita makumi maviri emamita ane mamita maviri kureba, mugofumosvitsa kuna mambo shoko rokuti Modhekai ngaasungirirwe pamutandarikwa iwoyo mozonyatsofara zvenyu muchienda namambo kumabiko.” Zano irori rakafadza Hamani akaita kuti mutandarikwa wacho ugadzirwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo.” Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
Shona 2009?
Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, "Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo." Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Rairai kuti vagadzire matanda ana makubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo.” Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.