Esther 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo akati kwaari: Unoreʋeiko ʋahosi Estere? Unokumbireiko? Ucaɀipiwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri kureveiko, vaHosi Esteri? Chikumbiro chako ndecheiko? Kunyange hafu youshe uchaipiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kwaari, “Chiiko nhai vahosi vangu Esita? Chiiko chamuri kukumbira? Munochipihwa chete kunyange chikava zvacho chikamu chepakati napakati chaicho choumambo hwangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo akati kwaari, “Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.”
Shona 2009?
Zvino mambo akati kwaari, "Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo akati kwaari, “Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyangwe uchikumbira hafu youshe hwangu.”