Esther 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo akati kunaEstere pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavaingunonwa zvavo waini, mambo akati kuna Esita, “Chichemo chako ndechipiko? Unotozviitirwa chete, chiiko chauri kukumbira? Kunyange chikava zvacho chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu zvinofanira kuti zvitoitwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, “Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.”
Shona 2009?
Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, "Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, “Chiiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyangwe uchikumbira hafu youshe hwangu.”