Esther 5:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hamani wakaenda nezuʋa iro acifara, anomŋoyo mucena; asi Hamani wakati aciʋona Mordekai pasuʋo ramambo, kuti wakaramba kumusimukira, kana kumutya, akaȿotwa kwaɀo pamsoro paMordekai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro, Hamani akaenda achifara nomufaro mukuru mumwoyo make. Asi paakaona Modhekai pasuo ramambo uye akaona kuti akanga asingasimuki kana kuratidza kutya pamberi pake, akazara nehasha nokuda kwaModhekai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamani akaenda achifara zvikuru zvake musi iwoyo hakuzi kufara ikoko, mumwoyo asisagoni nokufara. Asi Hamani paakaona Modhekai kusuo guru rokwamambo kuye kuti haana kana kumbomusimukira kunyange kudedera pamberi pake, akaviruka nehasha kutsamwira Modhekai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano mwoyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai.
Shona 2009?
Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano moyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano mwoyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuwo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai.