Esther 6:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋusiku ubgo mambo wakashaiwa hope, akaraira kuti ʋaʋuye nebuku yamashoko amakoronike, akaraʋirwa mambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usiku ihwohwo, mambo haana kumborara. Akati vanhu vamuvigire bhuku rokuyeuchidza nyaya dzakamboitika reNhoroondo, dzikaverengwa pana mambo ipapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko amakoronike, akaravirwa mambo.
Shona 2009?
Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko aMakoronike, akaravirwa mambo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko amakoronike, akaravirwa mambo.