Esther 6:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hamani akatora ŋguʋo nebiza, akafukidza Mordekai, akamufambisa panzira dzomuguta akataȿa biza, akaɗanidzira pamberi pake, aciti: Ndiɀo ɀicaitirwa munhu uyo mambo waanoɗa kukudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Hamani akatora nguo nebhiza, akapfekedza Modhekai, uye akamutungamirira ari pamusoro pebhiza napakati pemigwagwa yeguta, achidanidzira pamberi pake achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanofarira kukudza!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Hamani akatora hanzu dzacho nebhiza racho akashongedza Modhekai akamufambisa napamusika weguta ari pabhiza, Hamani achidaidzira achiti, “Izvi ndozvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hamani akatora nguo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, “Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza.”
Shona 2009?
Zvino Hamani akatora nguvo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, "Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hamani akatora nguo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, “Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza.”