Esther 6:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mordekai akadzokera kusuʋo ramambo. Asi Hamani wakacimbidzika kuenda kumba kwake acicema, akafukidza musoro wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mezvo Modhekai akadzokera pasuo ramambo. Asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba, achichema akafukidza musoro wake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Modhekai akazodzokera kusuo guru rokwaMambo, asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba kwake achiungudza akafuka musoro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Modhekai akadzokera kusuo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.
Shona 2009?
Zvino Modhekai akadzokera kusuo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Modhekai akadzokera kusuwo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.