Esther 6:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino ŋguʋo nebiza ŋgaɀiiswe pamaʋoko omumŋe wamacinda amambo unokudzwa kwaɀo, kuti ʋafukidze munhu uyo mambo waanoɗa kukudza, ʋagomufambisa munzira dzomuguta, akataȿa biza, ʋaɗanidzire pamberi pake, ʋaciti: Munhu mambo waanoɗa kukudza ŋgaaitirwe saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo nguo youshe nebhiza ngazviiswe kuno mumwe wamakurukota amambo anokudzwa kwazvo. Ngavapfekedze munhu uyo mambo waanofarira kukudza, vamutungamirire ari pabhiza vachipinda nomumigwagwa iri pakati peguta, vachidanidzira pamberi pake vachiti, ‘Izvi ndizvo zvinoitirwa munhu uyo mambo anofarira kukudza!’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hanzu idzodzo nebhiza racho, ngazviiswe mumaoko merimwe jinda rokwamambo rapamusoro-soro. Jinda iroro ngarishongedzwe hanzu idzodzo munhu wacho anoda kuremekedzwa namambo. Jinda iroro ngarifambe nomunhu iyeyo napamusika weguta rino achidaidzira ari mberi kwake kuti, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanenge ada kuremekedza!’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino nguo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, ‘Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.’ ”
Shona 2009?
zvino nguvo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, `Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.' "
Shona SUB 2002 Bible
zvino nguo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, ‘Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.’ ”