Esther 7:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati ɀe kunaEstere pazuʋa recipiri, pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera, ʋahosi Estere? Ucacipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechipiri racho, vachinwa zvavo waini, mambo akatizve kuna Esita, “Chichemo chenyu ndechipi nhai vahosi vangu Esita? Unozvipiwa. Chii chaizvo chauri kukumbira? Kunyange chikava chikamu chapakati napakati chaicho choumambo hwangu, zvinofanira kuti zvitoitwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, “Chinyiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.”
Shona 2009?
Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, "Chinyiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, “Chiiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyangwe uchikumbira hafu youshe hwangu.”