Esther 7:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋahosi Estere ʋakapindura ʋakati: Kana ndiciŋge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ʋupenyu bgaŋgu nokuɗa kwokunyeŋgetera kwaŋgu, nobgaʋanhu ʋaŋgu nokuɗa kwokukumbira kwaŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vahosi Esita vakapindura vachiti, “Kana imi mandiitirawo mwoyochena mambo, uye kana zvichikufadzai imi mambo nokukumbira kwandinenge ndaita ndinokumbira kuti mundiraramisewo uyewo nokukumbira kwangu mundiraramisirewo vanhu vokwangu;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, “Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kwokunyengetera kwangu, nohwovanhu vangu nokuda kwokukumbira kwangu;
Shona 2009?
Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, "Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemwi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kokunyengetera kwangu, nobwevanhu vangu nokuda kokukumbira kwangu;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, “Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kwokunyengetera kwangu, nohwovanhu vangu nokuda kwokukumbira kwangu;