Esther 7:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti tateŋgeswa, ini naʋanhu ʋaŋgu, kuti tiparadzwe, tiʋurawe, tipedzwe. Ƌai takaŋga tateŋgeswa tiʋe ʋaranda naʋashandiri, ndiŋgaɗai ndanyarara haŋgu, nokuti kutambudzika kweɗu hakuŋgaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti hakuna kutambudzika kwakadai kungasvika pakurwadza mambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti takatotengeswaka isu, ini pamwechete navanhu vokwangu kuti tiparadzwe, tiuraiwe uye kuti titsakatiswe. Dai kuri kuti takangotengeswa chete nhapwa dzechikadzi nedzechirume, ndingadai ndaramba ndakanyarara zvangu. Chinondidariso ndechokuti muvengi wacho iyeyo haazogona kuzogadziridza achitsiva kurasikirwa kunenge kwaita mambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.”
Shona 2009?
nokuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu,,nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo."
Shona SUB 2002 Bible
nokuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.”