Esther 7:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo wakadzoka acibva pamunda weimba yamambo akapinda panɀimbo yamafundo ewaini; ɀino Hamani wakaŋga aɀiwisira pacigaro pakaŋga pagere Estere. Mambo akati: Ɀino wotoɗa kucinya ʋahosi muno mumba pamberi paŋgu kanhi? Ɀino shoko iro rakati raɓuɗa mumuromo wamambo, ʋakafukidza ciso caHamani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo paakadzoka kubva kubindu romuzinda achidzokera kuimba yamabiko, Hamani akanga azviwisira pachigaro chakanga chigere Esteri. Mambo akati, “Asi otoda kuchinyira mambokadzi muno mumba ndinaye here?” Pakarepo shoko parakangobuda mumuromo wamambo, vakafukidza uso hwaHamani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akazodzoka kubindu romumuzinda kuya akaenda kunzvimbo kwakanga kuchinwirwa waini kuya. Izvozvo Hamani akanga achitozviwisira pachigaro paiva naEsita, Mambo vakabva ati, “Ava kutobhinya vahosi vangu mumaziso mangu nhai, mumuzinda mangu muno?” Mambo achangopedza kutaura muromo iwoyu, akabva afukidza Hamani uso hwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, “Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi?” Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.
Shona 2009?
Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, "Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi?" Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, “Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi?” Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.