Esther 7:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Harbona, mumŋe muranda wakaŋga ari pamberi pamambo, akati: Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareɓa anamakubiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asuŋgirire’po Mordekai, wakataura ɀakanaka nokuɗa kwamambo. Mambo akati: Musuŋgirirei’po paari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Habhona, mumwe wavaranda vaishandira mambo akati, “Pane danda rakareba makubhiti makumi mashanua rakamiswa paimba yaHamani. Akanga akarigadzirira Modhekai, uyo akataura zvakanaka kuti mambo abatsirwe.” Mambo akati, “Musungirirei iye ipapo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe wavayuniki vainge vachishandira mambo anonzi Habhona ndokuti, “Mutandarikwa wamapango uya wakagadzirwa naHamani kusungirira Modhekai, wokubayira mambo zanhi uya zvikazomuponesa, mutandariko wacho iwoyo wakatomira mumusha maHamani unoita makumi maviri amamita ana mamita maviri kureba.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, “Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba anamakubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo.” Mambo akati, “Musungirireipo paari.”
Shona 2009?
Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, "Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba anamakubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo." Mambo akati, "Musungirireipo paari."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, “Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba ana makubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo.” Mambo akati, “Musungirireipo paari.”