Esther 8:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pazuʋa iro mambo Ahashveroshi wakapa ʋahosi Estere imba yaHamani, iye muʋeŋgi waʋaJuda. Mordekai akaȿika pamberi pamambo, nokuti Estere wakaŋga aʋudza mambo kuti cinyi cake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iroro Mambo Zekisesi akapa imba yaHamani muvengi wavaJudha kuna vaHosi Esteri. Uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nokuti Esteri akanga amuudza nezvoukama hwake naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musi iwoyo mambo Ahasuerusi akapa kuna vahosi vake Esita imba yaHamani muvengi wavaJudha Modhekai akauya kuna mambo nokuti Esita akanga amutaurira kuti chii chake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pazuva iro mambo Ahashivheroshi akapa vahosi Esiteri imba yaHamani, iye muvengi wavaJudha. Modhekai akasvika pamberi pamambo, nokuti Esiteri akanga audza mambo kuti chinyi chake.
Shona 2009?
Zvino pazuva iro mambo Ahashivheroshi akapa vahosi Esiteri imba yaHamani, iye muvengi wavaJudha. Modhekai akasvika pamberi pamambo, nokuti Esiteri akanga audza mambo kuti chinyi chake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pazuva iro mambo Ahasuerusi akapa vahosi Esiteri imba yaHamani, iye muvengi wavaJudha. Modhekai akasvika pamberi pamambo, nokuti Esiteri akanga audza mambo kuti chii chake.