Esther 8:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanyori ʋamambo ʋakaɗanwa paŋguʋa iyo, pamŋedzi wecitatu, uri mŋedzi weSivani, pazuʋa ramakumi maʋiri namatatu; ʋakanyora ɀose Mordekai ɀaakaraira ʋaJuda, namacinda makuru, naʋaɓati, namacinda amatiʋi enyika, kubva paIndia kuȿikira paEtiopia, matiʋi enyika anezana namakumi maʋiri namanomŋe, rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika nomunyorere warwo, ʋuye rudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo, naʋaJuda nomunyorere waʋo ʋuye norurimi rwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakarepo vanyori vamambo vakadaidzwa, pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechitatu, mumwedzi waSivhana. Vakapa zvose zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, nokuvakuru vehondo, navabati uye namakurukota enyika dzaiva zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia. Zvakarayirwa izvi zvakanyorwa namanyorerwo enyika imwe neimwe nomutauro wenyika imwe neimwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanasamunyori vamambo vakadaidzwa panguva iyoyo mumwedzi wechitatu, unonzi Sivani pari pazuva rechimakumi maviri namatatu. Kwakanyorwa chirevo chaitaura zvainge zvatemwa naModhekai pamusoro pevaJudha chichienda kumadzishe namasadunhu namachinda enyika dzaibvira kuIndia kusvika kuItiopia, dzaisvika zana namakumi maviri ane nomwe. Nyika yoga yoga ichinyorerwa nomunyorero wayo rudzi rumwe norumwe ruchinyorerwa nomutauro warwo. Uyewo nokuvaJudha nomunyorero wavo nomutauro wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanyori vamambo vakadanwa panguva iyo, pamwedzi wechitatu, uri mwedzi weShivani, pazuva ramakumi maviri namatatu; vakanyora zvose Modhekai zvaakaraira vaJudha, namachinda makuru, navabati, namachinda amativi enyika, kubva paIndia kusvikira paItiopia, mativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe, rutivi rumwe norumwe rwenyika nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norume norurimi rwarwo, navaJudha nomunyorero wavo uye norurimi rwavo.
Shona 2009?
Zvino vanyori vamambo vakadamwa panguva iyo, pamwedzi wechitatu, uri mwedzi weShivhani, pazuva ramakumi maviri namatatu; vakanyora zvose Modhekai zvaakaraira vaJudha, namachinda makuru, navabati, namachinda amativi enyika, kubva paIndia kusvikira paItiopia, mativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe, rutivi rumwe norumwe rwenyika nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norume norurimi rwarwo, navaJudha nomunyorero wavo uye norurimi rwavo.
Shona SUB 2002 Bible