Esther 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akati kunaʋahosi Estere: ƲaJuda ʋaʋuraya nokuparadza paShushani nhare yamambo, ʋarume ʋanamazana mashanu, naʋanakomana ʋanegumi ʋaHamani; ndoɗa ɀaʋakaita kunamamŋe matiʋi enyika yamambo! Ɀino cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Kana cinyiko caunokumbira ɀino? Ɀicaitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akati kuna Esteri, “VaJudha vauraya nokuparadza mazana mashanu avarume uye vanakomana gumi vaHamani munhare yeShushani. Vaitei kune dzimwe nzvimbo dzenyika yamambo? Zvino chikumbiro chako ndechei? Uchapiwa. Chichemo chako ndechei? Uchachiitirwawo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kuna vahosi Esita, “Muguta reSusa muno, guta guru romuzinda wamambo, vaJudha vauraya mazana mashanu avanhu uyewo gumi ravana vaHamani vakomana, ko kutozoti kune dzimwe nyika dzose dzamambo! Zvino chichemo chamuchinacho ndechipi? Munozviitirwa chete. Ko chimwe chamungade kukumbira ipapa chii? Zvinofanira kuti zviitwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, “VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.”
Shona 2009?
Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, "VaJudha vauraya nokuparadza paShushani nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, “VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino Chiiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chiiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.”