Esther 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Estere akati: Kana mambo acifara naɀo, ʋaJuda ʋari paShushani ŋgaʋatenderwe kuita maŋgwana ʋo necireʋo canhasi, naʋanakomana ʋaHamani ʋanegumi ʋasuŋgirirwe pamatanda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Esteri akapindura akati, “Kana mambo achifara nazvo, ipai vaJudha vari muShushani mvumo yokuendererazve mberi mangwana nechirevo chezuva ranhasi, uye ngazviitike kuti vanakomana gumi vaHamani vasungirirwe pamatanda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Esita akati, “Kana muchida henyu mambo, regai zvenyu vaJudha vari muguta reSusa muno mangwana vabvumirwe kuzoita zviri kurehwa nechirevo ichochi chanhasi uno ichi, uye zvitunha gumi zvavanakomana vaHamani zvirembedzwe pamutandarikwa wamapango uya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Esiteri akati, “Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShusha ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda”.
Shona 2009?
Ipapo Esiteri akati, "Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShushani ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda".
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Esiteri akati, “Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShusha ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda”.