Esther 9:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋaJuda ʋaiʋa paShushani ʋakaʋuŋgana pazuʋa regumi namatatu napazuʋa regumi namanna romŋedzi iwoyo; nezuʋa regumi namashanu romŋedzi uyo ʋakazorora, ʋakariita zuʋa romutambo neromufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vaJudha vaive muguta reSusa vakaunganidzana pazuva regumi nechitatu neregumi nechina vakazozorora pazuva regumi nechishanu vakariita zuva guru remabiko nerokufara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vaJudha vaiva paShusha vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
Shona 2009?
Asi vaJudha vaiva paShushani vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vaJudha vaiva paShusha vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.