Esther 9:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaJuda ʋakaʋuŋgana pamaguta aʋo pamatiʋi ose enyika dzamambo Ahashveroshi, kuti ʋaʋuraye aʋo ʋakatȿaka kuʋaitira ɀakaipa; hakuna‐wakaŋga acigona kuʋadziʋisa, nokuti ʋanhu ʋose ʋakaʋatya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaJudha vakaungana mumaguta avo munyika dzose dzaMambo Zekisesi kuti varwise avo vaitsvaka kuparadzwa kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vaJudha vakaunganidzana mumaguta avo munyika dzose dzamambo Ahasuerusi kuti vakuvadze vaida kuvapinza munyatwa. Ipapo hakuna akakwanisa kumirisana navo nokuti kutya vaJudha kwakanga kwawira marudzi ose avanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya.
Shona 2009?
vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya.
Shona SUB 2002 Bible
vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahasuerusi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya.