Esther 9:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ndiwo mazuʋa ʋaJuda aʋakazorodzwa nawo paʋaʋeŋgi ʋaʋo, nomŋedzi waʋakashandurirwa nawo kucema kwaʋo ukaʋa mufaro, ʋuye zuʋa rokucema rikaʋa zuʋa rakanaka; ʋuye kuti ʋaaite mazuʋa omutambo noomufaro, nookutumirana ɀinonaka ʋuye ɀipo kuʋarombo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
senguva yakawanikwa rusununguko navaJudha kubva kuvavengi vavo, uye somwedzi uyo kusuruvara kwavo kwakashandurwa kukava mufaro, uye kuchema kwavo kukashandurwa kukava zuva rokupembera. Akavanyorera kuti vacherechedze mazuva aya samazuva amabiko nomufaro vachipana zvipo zvezvokudya, mumwe nomumwe, uyewo nokuvarombo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavati vaachengete samazuva akawana vaJudha zororo kuvavengi vavo, uye semwedzi wavakasandurirwa zvinhu, kusuruvara kukaitwa kufara, kuungudza kuchiitwa zuva rokufaranuka vagoaita mazuva emabiko neokufara, mazuva okutumirana zvipo zvezvokudya zvakanakisisa ivo pachavo nokuvarombowo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
Shona 2009?
nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nokutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.