Esther 9:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakatumidza zita ramazuʋa iwayo Purimi nezita rePuri. Ɀino nokuɗa kwamashoko ose eŋwadi iyo, neɀaʋakaʋona pamsoro pecinhu ico, neɀaʋakaitirwa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Naizvozvo mazuva aya akadaidzwa kuti Purimu, kubva pavara rokuti puri.) Nokuda kwezvakanyorwa zvose mutsamba uye nokuda kwezvavakanga vaona, nezvakaitika kwavari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vakatumidza mazuva iwaya zita rokuti Purimu zvichibva kune izwi rokuti Puri. Saka naizvozvo, pamusana pezvose zvakanga zvakanyorwa mutsamba iyoyo nedzavakanga vasangana nadzo panyaya iyoyi nezvakanga zvavawira;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose e’nwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,
Shona 2009?
Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose emwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose etsamba iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,