Esther 9:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye kuti mazuʋa iwayo araŋgarirwe nokutambga pakati porudzi rumŋe norumŋe, nemhuri imŋe neimŋe, norutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika, neguta rimŋe nerimŋe; ʋuye kuti mazuʋa iwayo ePurimi arege kutoŋgoregwa pakati paʋaJuda, araŋgarirwe nokusiŋgaperi pakati paʋana ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mazuva aya anofanira kurangarirwa nokucherechedzwa murudzi rumwe norumwe uye nemhuri imwe neimwe, uye nomunyika imwe neimwe nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye kuti mazuva iwaya, mazuva anofanira kurangarirwa nokuchengetwa muchizvarwa choga choga mhuri nemhuri, nyika nenyika, guta neguta; uyewo kuti mazuva iwaya ePurimu haafanire kudarikwa pakati pevaJudha kunyange kuti zvokurangarira mazuva iwaya zvipere pakati pavana vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible