Esther 9:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Macinda ose amatiʋi enyika, namacinda makuru, naʋaɓati, ʋaiɓate‐ɓasa ramambo, ʋakaɓatsira ʋaJuda; nokuti ʋakatya Mordekai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda ose zvawo edzinyika idzi namadzishe namasadunhu namakurukota okwamambo, vakayamurawo vaJudha pamusana pokuti kutya Modhekai kwakanga kwavawira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai.
Shona 2009?
Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai.
Shona SUB 2002 Bible
Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai.