Esther 9:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Mordekai wakaŋga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakaŋga yaȿika kumatiʋi ose enyika; nokuti murume uyu Mordekai wakaramba acikura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Modhekai akanga ari mukuru mukuru mumuzinda; mbiri yake yakapararira munyika yose, uye akava nesimba rakaramba richikura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti Modhekai akanga ava mukuru mukuru mumuzinda wamambo mukurumbira wake ukadhuma munyika dzose idzodzo pamusana pokuti simba raModhekai rakaramba richingokura-kura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.
Shona 2009?
Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.